Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita nePupura Uye Tenda

Ndima 6 dzeBhaibheri dzine chekuita nePupura Uye Tenda dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaRoma 10:9-10

Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa. Nokuti unotenda nomwoyo wako ugoruramisirwa, uye unopupura nomuromo wako ugoponeswa.

02 VaRoma 10:13

nokuti “Ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.”

03 Mateo 10:32

“Ani naani anondipupura pamberi pavanhu neniwo ndichamupupura pamberi paBaba vangu vari kudenga.

04 1 Johani 4:15

Kana munhu akapupura kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari, Mwari anogara maari uye iye muna Mwari.

05 Mabasa 16:31

Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”

06 VaRoma 10:11

Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.”

Misoro ine chekuita