Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neGedhi Diki

Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neGedhi Diki dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mateo 7:13-14

“Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhama zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro. Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana.

02 Ruka 13:24

“Rwisai chaizvo kuti mupinde napasuo rakamanikana, nokuti ndinoti vazhinji vachaedza kupinda asi havangagoni.

03 Johani 14:6

Jesu akapindura akati, “Ndini nzira nechokwadi uye noupenyu. Hakuna munhu angauya kuna Baba kana asina kupfuura napandiri.

04 Mateo 7:21

“Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.

05 Zvirevo 14:12

Kune nzira inoita seyakanaka kumunhu, asi kumagumo inotungamirira kurufu.

06 Ruka 13:23-24

Mumwe akamubvunza akati, “Ishe, vanhu vashoma chete ndivo vachaponeswa here?” Iye akati kwavari, “Rwisai chaizvo kuti mupinde napasuo rakamanikana, nokuti ndinoti vazhinji vachaedza kupinda asi havangagoni.

07 Johani 10:9

Ndini mukova; ani naani anopinda napandiri achaponeswa. Achapinda agobuda, uye achawana mafuro.

08 Mabasa 4:12

Ruponeso haruwanikwi kuna ani zvake, nokuti hakuna rimwe zita pasi pedenga rakapiwa kuvanhu ratingaponeswa naro.”

09 Mateo 16:24

Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana paine anoda kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.

10 Ruka 9:23

Ipapo akati kwavari vose, “Kana munhu achida kunditevera, anofanira kuzviramba atore muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe agonditevera.

11 Mateo 7:22-23

Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’ Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’

12 VaHebheru 12:14

Itai zvose zvamungagona kuti muve vatsvene; pasina utsvene hapana munhu achaona Ishe.

13 2 Petro 1:10

Naizvozvo, hama dzangu, shingairai kwazvo kuti muite kuti kudanwa kwenyu nokusanangurwa kwenyu kusimbe. Nokuti kana muchiita zvinhu izvi, hamungatongogumburwi,

14 Johani 10:7

Naizvozvo Jesu akatizve kwavari, “Ndinokuudzai chokwadi, ndini mukova wamakwai.

Misoro ine chekuita