Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neHatichisiri Varanda veChivi

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neHatichisiri Varanda veChivi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaRoma 6:6

Nokuti tinoziva kuti munhu wedu wakare akarovererwa pamuchinjikwa pamwe chete naye kuti muviri wechivi ushayiswe simba, kuti tirege kuvazve varanda vechivi,

02 VaRoma 6:18

Makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vokururama.

03 Johani 8:34

Jesu akapindura akati, “Ndinokuudzai chokwadi kuti, mumwe nomumwe anotadza ndiye muranda wechivi.

04 VaGaratia 5:1

Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka. Zvino, mirai nesimba, murege kuzviremedza zvakare nejoko routapwa.

05 VaRoma 8:2

nokuti kubudikidza naKristu Jesu murayiro woMweya woupenyu wakandisunungura kubva pamurayiro wechivi norufu.

06 VaRoma 6:7

nokuti uyo anenge afa asunungurwa kubva kuchivi.

07 VaRoma 6:22

Asi zvino makasunungurwa kubva kuchivi uye mava varanda vaMwari, zvibereko zvamunokohwa zvinoisa kuutsvene, uye kuguma kwazvo ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.

08 Johani 8:36

Saka kana Mwanakomana achikusunungurai, muchava vakasununguka kwazvo.

09 2 VaKorinde 3:17

Zvino Ishe ndiye Mweya, uye pane Mweya waShe, pano kusununguka.

Misoro ine chekuita