Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuvimbika

Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuvimbika dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Zvirevo 10:9

Munhu akarurama anofamba akachengetedzeka, asi uyo anofamba nenzira dzakaminama achabatwa.

02 Zvirevo 11:3

Unhu hwavakarurama hunovatungamirira, asi vasina kutendeka vanoparadzwa nokunyengera kwavo.

03 Mapisarema 25:21

Kusanyengera nokururama ngazvindichengete, nokuti tariro yangu iri mamuri.

04 Jobho 27:5

Handingambobvumi kuti muri kutaura chokwadi; kusvikira ndafa, handizorambi kururama kwangu.

05 Zvirevo 20:7

Munhu akarurama anorarama upenyu hwakanaka; vana vake vanomutevera vakaropafadzwa.

06 Mapisarema 26:1

Nditongerei, imi Jehovha, nokuti ndakararama upenyu husina chahungapomerwa; ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki.

07 Zvirevo 19:1

Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama, pane benzi rine muromo wakatsauka.

08 Zvirevo 28:6

Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama pane mupfumi ane nzira dzakatsauka.

09 Mapisarema 41:12

Munonditsigira pakutendeka kwangu, uye munondiisa pamberi penyu nokusingaperi.

10 1 Makoronike 29:17

Ndinoziva, Mwari wangu, kuti munoedza mwoyo uye munofadzwa nokururama. Zvinhu zvose izvi ndakupai ndichida uye nomwoyo wakatendeka. Uye zvino ndaona ndikafadzwa namapiro aita vanhu venyu vari pano kwamuri nomwoyo unoda.

11 Zvirevo 11:1

Jehovha anovenga zviero zvinonyengera, asi zviero zvakakwana zvinomufadza.

12 Tito 2:7

Pazvinhu zvose iwe uvaratidze somuenzaniso nokuita zvakanaka. Pakudzidzisa kwako udzidzise zvakakwana, uchirevesa

13 Ruka 16:10

“Ani naani anogona kutendeka pane zvinhu zviduku anogonawo kutendeka pane zvakawanda, uye ani naani asina kutendeka pazvinhu zviduku duku achavawo asina kutendeka pane zvakawanda.

14 Zvirevo 21:3

Kuita zvakarurama nokururamisira zvinonyanya kufadza Jehovha kupfuura chibayiro.

15 Mapisarema 78:72

Uye Dhavhidhi akavafudza nokururama kwomwoyo; akavatungamirira namaoko ouchenjeri.

Misoro ine chekuita