Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuchena

Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuchena dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mateo 5:8

Vakaropafadzwa vakachena pamwoyo, nokuti vachaona Mwari.

02 VaFiripi 4:8

Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.

03 1 Timoti 4:12

Ngakurege kuva nomunhu anokuzvidza nokuda kwouduku hwako, asi uve muenzaniso kuvatendi mukutaura, muupenyu, murudo, mukutenda uye napakuchena kwomwoyo.

04 Mapisarema 51:10

Sikai mukati mangu mwoyo wakachena, imi Mwari, uye muvandudze mweya wakarurama mukati mangu.

05 Tito 1:15

Kune vakachena, zvinhu zvose zvakachena, asi kuna avo vakaora uye vasingatendi, hakuna chinhu chakachena. Asi kutoti zvose pfungwa dzavo nehana dzavo zvakaora.

06 2 Timoti 2:22

Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.

07 1 Johani 3:3

Mumwe nomumwe ane tariro iyi maari anozvichenesa, sezvo iye akachena.

08 Jakobho 4:8

Swederai kuna Mwari uye iye achaswedera kwamuri. Shambai maoko enyu, imi vatadzi, uye munatse mwoyo yenyu, imi vane mwoyo miviri.

Misoro ine chekuita