Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuchena muUnhu

Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuchena muUnhu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 1 VaKorinde 6:18

Tizai upombwe. Zvimwe zvivi zvose zvingaitwa nomunhu zviri kunze kwomuviri wake, asi uyo anoita chivi choupombwe anotadzira muviri wake.

02 1 VaTesaronika 4:3-4

Kuda kwaMwari kuti muitwe vatsvene: kuti murege upombwe; kuti mumwe nomumwe wenyu adzidze kudzora muviri wake nenzira tsvene uye inokudzwa,

03 VaHebheru 13:4

Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva.

04 1 VaKorinde 6:19-20

Hamuzivi here kuti muviri wenyu itemberi yaMweya Mutsvene, ari mamuri, uyo wamakagamuchira kubva kuna Mwari? Hamuzi venyu; makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu.

05 Zvirevo 5:18-19

Tsime rako ngariropafadzwe, uye ufadzwe nomudzimai woujaya hwako. Sehadzi yengururu inofadza, nehadzi yenondo yakanaka, mazamu ake ngaakufadze nguva dzose, ugare uchigutswa norudo rwake.

06 1 VaTesaronika 4:5

asingaiti mukuchiva sezvinoitwa navahedheni, vasingazivi Mwari;

07 Jobho 31:1

“Ndakaita sungano nameso angu kuti ndirege kutarisa musikana noruchiva.

08 2 Timoti 2:22

Tiza kuchiva kwose kwoujaya, uye utevere kururama, kutenda, rudo norugare navose vanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.

09 VaGaratia 5:19-21

Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere; kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.

10 VaEfeso 5:3

Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari.

11 Mateo 5:28

Asi ini ndinoti kwamuri ani naani anotarisa mukadzi neziso roruchiva atoita upombwe naye mumwoyo make.

Misoro ine chekuita