Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutendeseka

Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutendeseka dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Zvirevo 12:22

Jehovha anovenga miromo inotaura nhema, asi anofadzwa navanhu vanotaura chokwadi.

02 Zvirevo 11:1

Jehovha anovenga zviero zvinonyengera, asi zviero zvakakwana zvinomufadza.

03 VaEfeso 4:25

Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe.

04 Zekaria 8:16

Izvi ndizvo zvinhu zvamunofanira kuita: Tauriranai chokwadi, uye tongai nezvokwadi uye nokururamisira mumatare enyu

05 2 VaKorinde 8:21

Nokuti tiri kuedza kwazvo kuita zvakanaka, kwete pamberi paShe chete asiwo pamberi penyu.

06 Zvirevo 16:13

Madzimambo anofarira miromo inotaura chokwadi; anoremekedza munhu anotaura chokwadi.

07 VaKorose 3:9

Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake

08 Revhitiko 19:11

“ ‘Usaba. “ ‘Usareva nhema. “ ‘Musanyengedzana.

09 Zvirevo 19:1

Zviri nani kuva murombo ane mafambiro akarurama, pane benzi rine muromo wakatsauka.

10 VaHebheru 13:18

Tinyengeterereiwo. Tine chokwadi chokuti tine hana yakanaka uye tinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose.

11 Zvirevo 24:26

Mhinduro yechokwadi yakafanana nokutsvoda pamiromo.

12 VaRoma 12:17

Musatsiva munhu chakaipa nechakaipa. Chenjererai kuti muite zvakanaka pamberi pavanhu vose.

13 Zvirevo 20:23

Jehovha anovenga zviereso zvinosiyana, uye zviero zvinonyengera hazvimufadzi.

14 Mapisarema 34:13

dzora rurimi rwako pane zvakaipa nemiromo yako pakureva nhema.

Misoro ine chekuita