Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKusimba muKutenda
Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neKusimba muKutenda dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Mumudzivise, mumire makasimba mukutenda, nokuti munoziva kuti hama dzenyu munyika yose dziri kutambudzika saizvozvo.
Rindai; mirai nesimba mukutenda; ivai varume vakashinga; ivai nesimba.
Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire.
Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.
Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.
Naizvozvo, hama dzangu dzinodikanwa, mirai makasimba. Pashayiwe chinhu chingakuzungunusai. Muchishandira Ishe zvikuru nguva dzose, nokuti munoziva kuti kubata basa kwenyu muna She hakungavi pasina.
kana muchirambira mukutenda kwenyu, makasimbiswa uye makasimba, musingazungunuswi kubva patariro iri muvhangeri. Ndiro vhangeri ramakanzwa uye rakaparidzirwa kuzvisikwa zvose pasi pedenga, uye iro ini, Pauro, ndakaitwa muranda nokuda kwaro.
Takauya kuzogovana muna Kristu kana tichibatisisa kuvamba kwokutenda kwedu kusvikira pakuguma.
Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka. Zvino, mirai nesimba, murege kuzviremedza zvakare nejoko routapwa.
Saka zvino, hama mirai nesimba uye mubatirire kudzidziso dzatakakudzidzisai, neshoko romuromo kana netsamba.