Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuzvipira Mumwe kuno Mumwe

Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuzvipira Mumwe kuno Mumwe dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaRoma 12:10

Ivai norudo rukuru mumwe kuno mumwe savadikani. Mumwe nomumwe wenyu ngaakudze mumwe kupfuura kuzvikudza kwaanozviita iye.

02 1 VaTesaronika 5:11

Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.

03 VaGaratia 6:2

Takuriranai mitoro yenyu, uye nokudaro muchazadzisa murayiro waKristu.

04 VaFiripi 2:3-4

Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi. Mumwe nomumwe wenyu ngaarege kungotsvaka zvake chete, asi zvavamwewo.

05 VaEfeso 4:2

Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo.

06 1 Petro 4:8

Pamusoro paizvozvo zvose dananai norudo rukuru, nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.

07 VaKorose 3:13

Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe.

08 Johani 13:34-35

“Ndinokupai murayiro mutsva wokuti: Dananai. Sezvo ndakakudai, saizvozvo munofanira kudanana. Nokuda kwaizvozvo, vanhu vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu kana mune rudo pakati penyu.”

09 1 VaTesaronika 5:15

Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose.

10 VaHebheru 10:24-25

Uye ngatirangarirei kuti tingakurudzirana sei kuti tive norudo namabasa akanaka. Tisarega kuungana sezvinoita vamwe, asi tikurudzirane, zvikuru sei sezvamunoona kuti Zuva roswedera.

11 VaRoma 15:7

Naizvozvo, gamuchiranai, sezvamakagamuchirwa naKristu, kuti Mwari arumbidzwe.

12 1 VaKorinde 12:25

kuitira kuti parege kuva nokupesana pamuviri, asi kuti mitezo ichengetane zvakaenzana.

13 VaGaratia 5:13

Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo.

14 1 Johani 4:11

Shamwari dzinodikanwa, sezvo Mwari akatida zvakadai, isu tinofanirawo kudanana.

Misoro ine chekuita