Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuzvipira kuna Mwari

Ndima 5 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuzvipira kuna Mwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Jakobho 4:7

Zviisei zvino, pasi paMwari. Dzivisai dhiabhori, uye achatiza kwamuri.

02 VaRoma 6:13

Musapa mitezo yomuviri wenyu kuchivi, kuti ive nhumbi dzokuita zvisakarurama, asi zvipei kuna Mwari, savaya vakabviswa kurufu vachiiswa kuupenyu; uye ipai mitezo yomuviri wenyu kwaari ive nhumbi dzokururama.

03 Jakobho 4:10

Zvininipisei pamberi paIshe, agokusimudzirai.

04 1 Petro 5:6

Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.

05 VaRoma 12:1

Naizvozvo, ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene uye chinofadza Mwari, uku ndiko kunamata kwenyu kwomweya.

Misoro ine chekuita