Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKwete Kuda Kwangu
Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neKwete Kuda Kwangu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
“Baba, kana muchida, bvisai mukombe uyu pandiri; asi ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu kuitwe.”
Akaenda mberi zvishoma, akawira pasi nechiso chake akanyengetera achiti, “Baba vangu, kana zvichibvira mukombe uyu ngaubviswe kwandiri. Asi kwete kuda kwangu asi kuda kwenyu.”
Nokuti handina kuburuka kubva kudenga kuti ndizoita kuda kwangu asi kuti ndizoita kuda kwaiye akandituma.
Akati, “Abha, Baba, zvinhu zvose zvinogoneka kwamuri. Bvisai mukombe uyu kwandiri. Asi kwete kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”
Uye akati awanikwa ane chimiro chomunhu, akazvininipisa uye akateerera kusvikira pakufa, kunyange rufu pamuchinjikwa.
Jesu akati kwavari, “Zvokudya zvangu ndiko kuita kuda kwowakandituma uye nokupedza basa rake.
Ini ndoga handigoni kuita chinhu; ndinongotonga sezvandinenge ndanzwa, uye kutonga kwangu kwakarurama, nokuti handitsvaki kuzvifadza asi iye akandituma.
Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano, mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu, ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”
Kunyange zvake akanga ari mwanakomana, akadzidza kuteerera kubva pakutambudzika kwake
Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu; murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.”
Nokuti vazhinji sezvavakaitwa vatadzi kubudikidza nokusateerera kwomunhu mumwe, saka naizvozvowo vazhinji vachaitwa vakarurama kubudikidza nokuteerera kwomunhu mumwe.
Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama.