Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutakura Muchinjikwa

Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutakura Muchinjikwa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Mateo 16:24

Ipapo Jesu akati kuvadzidzi vake, “Kana paine anoda kunditevera, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere.

02 Ruka 9:23

Ipapo akati kwavari vose, “Kana munhu achida kunditevera, anofanira kuzviramba atore muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe agonditevera.

03 VaGaratia 2:20

Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.

04 Mako 8:34

Ipapo akadana vanhu vazhinji kwaari pamwe chete navadzidzi vake akati, “Kana munhu upi zvake achida kunditevera, anofanira kuzviramba, atakure muchinjikwa wake agonditevera.

05 VaFiripi 3:10

Ndinoda kuziva Kristu nesimba rokumuka kwake uye nokuwadzana kwokugovana naye mumatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake,

06 Ruka 14:27

Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.

07 Mateo 10:38

Uye uyo asingatakuri muchinjikwa wake akanditevera haana kukodzera kuva wangu.

08 VaRoma 6:6

Nokuti tinoziva kuti munhu wedu wakare akarovererwa pamuchinjikwa pamwe chete naye kuti muviri wechivi ushayiswe simba, kuti tirege kuvazve varanda vechivi,

09 1 Petro 2:21

Makadanirwa izvozvi, nokuti Kristu akatambudzika nokuda kwenyu, akakusiyirai muenzaniso, kuti mutevere makwara ake.

10 VaRoma 8:17

Zvino kana tiri vana, naizvozvo tiri vadyi venhaka pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naKristu, kana zvirokwazvo tichitambudzika pamwe chete naye kuitira kuti tigozokudzwawo pamwe chete naye.

11 2 Timoti 2:11-12

Herino shoko rechokwadi: Kana takafa pamwe chete naye, tichararamawo pamwe chete naye; kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwe chete naye. Kana tikamuramba, iye achatirambawo;

12 Ruka 9:24

Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuponesa.

13 Mako 10:21

Jesu akamutarira uye akamuda, akati kwaari, “Unoshayiwa chinhu chimwe chete. Enda undotengesa zvinhu zvose zvaunazvo upe kuvarombo, ugova nepfuma kudenga. Ipapo ugouya, unditevere.”

14 VaKorose 1:24

Zvino ndinofara mune zvamakatamburirwa imi, uye ndinozadzisa munyama yangu izvo zvichiri kushayikwa maererano nokutambudzika kwaKristu, nokuda kwomuviri wake, iyo kereke.

15 Mateo 16:25

Nokuti ani naani anoda kuchengetedza upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuwana.

Misoro ine chekuita