Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuteerera Kunopfuura Chibayiro

Ndima 5 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuteerera Kunopfuura Chibayiro dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 1 Samueri 15:22

Asi Samueri akapindura akati, “Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro sezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here? Kuteerera kunokunda chibayiro, uye kuteerera kunokunda mafuta amakondobwe.

02 Hosea 6:6

Nokuti ndinoda ngoni, kwete zvibayiro, nokuziva Mwari kupfuura zvipiriso zvinopiswa.

03 Mika 6:8

Akakuratidza, iwe munhu, kuti zvakanaka ndezvipi. Uye ndezvipi zvinodiwa naJehovha kubva kwauri? Kuita zvakarurama uye kufarira kunzwira ngoni, nokufamba naMwari wako wakazvininipisa.

04 Mapisarema 51:16-17

Hamufariri chibayiro, ndingadai ndakuvigirai, imi hamufariri zvipiriso zvinopiswa. Zvibayiro zvaMwari mweya wakaputsika; mwoyo wakaputsika nowakapwanyika, imi Mwari hamuzoushori.

05 Mateo 9:13

Asi endai munodzidza kuti izvi zvinorevei zvinoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”

Misoro ine chekuita