Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuverenga Mutengo

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuverenga Mutengo dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Ruka 14:28

“Tomboti mumwe wenyu anoda kuvaka shongwe. Haatangi agara pasi agoongorora mutengo kuti aone kana ane mari inokwana kuipedza here?

02 Ruka 14:33

Saizvozvowo, ani naani wenyu asingasiyi zvose zvaanazvo haangavi mudzidzi wangu.

03 Ruka 9:62

Jesu akapindura akati, “Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari.”

04 VaFiripi 3:8

Chimwezve ndakati zvinhu zvose kurasikirwa hako kana zvichienzaniswa noukuru hunopfurikidza hwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, nokuti nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose. Ndakazviita marara, kuti ndiwane Kristu.

05 Mateo 13:44

“Umambo hwokudenga hwakafanana nepfuma yakavigwa mumunda. Mumwe murume akati aiwana, akaivigazve, uye ipapo mukufara kwake, akaenda akandotengesa zvose zvaaiva nazvo ndokutenga munda iwoyo.

06 Ruka 14:27

Uye ani naani asingatakuri muchinjikwa wake achinditevera haangavi mudzidzi wangu.

07 Mako 8:36

Munhu achabatsirweiko kana akawana nyika yose, asi akarasikirwa noupenyu hwake?

08 Mateo 16:26

Ko, munhu achabatsirwa nei kana akawana nyika yose, asi achirasikirwa noupenyu hwake? Kana kuti munhu acharipeiko kuti adzikinure upenyu hwake?

09 VaFiripi 3:7

Asi zvose zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakaona kuri kurasikirwa nokuda kwaKristu.

Misoro ine chekuita