Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neChinhu Chipi Nechipi Chaanotaura
Ndima 14 dzeBhaibheri dzine chekuita neChinhu Chipi Nechipi Chaanotaura dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Mai vake vakati kuvaranda, “Itai zvose zvaanokuudzai.”
Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure.”
Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai.
Asi Samueri akapindura akati, “Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro sezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here? Kuteerera kunokunda chibayiro, uye kuteerera kunokunda mafuta amakondobwe.
Petro navamwe vapostori vakapindura vachiti, “Tinofanira kuteerera Mwari kukunda vanhu!
NdiJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari.
Jesu akapindura akati, “Kana munhu achindida, achateerera kudzidzisa kwangu. Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari toita ugaro hwedu naye.
“Sei muchiti, ‘Ishe, Ishe,’ kwandiri asi musingaiti zvandinoreva?
Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake.
asi ndakavapa murayiro uyu wokuti nditeererei, uye ndichava Mwari wenyu nemi muchava vanhu vangu. Mufambe munzira dzose dzandakakurayirai, kuti zvigova zvakanaka kwamuri.
Vanhu vose vakapindura pamwe chete vachiti, “Tichaita zvose zvakarehwa naJehovha.” Saka Mozisi akadzosera mhinduro yavo kuna Jehovha.
Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, “Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
Makwai angu anonzwa inzwi rangu; ini ndinoaziva, uye anonditevera.
Ndipei kunzwisisa, ndigochengeta murayiro wenyu uye ndigouteerera nomwoyo wangu wose.