Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neNyadzi
Ndima 5 dzeBhaibheri dzine chekuita neNyadzi dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
01 VaRoma 10:11
Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.”
02 Isaya 61:7
Pachinzvimbo chokunyadziswa kwavo vanhu vangu vachagamuchira migove miviri, uye pachinzvimbo chokunyadziswa vachafara munhaka yavo; nokudaro vachagara nhaka yemigove miviri munyika yavo, uye mufaro usingaperi uchava wavo.
Vanotarira kwaari vanopenya; zviso zvavo hazvingambofukidzwi nenyadzi.
04 VaRoma 8:1
Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu,
05 Isaya 54:4
“Usatya hako: haunganyadziswi. Usatya kunyadziswa; haunganinipiswi. Uchakanganwa nyadzi dzapaudiki hwako, uye hauzorangaririzve kunyadzisa kwouchirikadzi hwako.