Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neSimba Idzva
Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neSimba Idzva dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
asi avo vane tariro muna Jehovha vachavandudza simba ravo. Vachabhururuka namapapiro samakondo; vachamhanya vasinganeti; vachafamba vasingaziyi.
Naizvozvo hatiori mwoyo. Kunyange zvazvo kunze tichiparara, asi mukati tiri kuvandudzwa zuva nezuva.
anogutsa zvido zvako nezvinhu zvakanaka, kuti uduku hwako huvandudzwe sohwegondo.
Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.
Anopa simba kuna vakarukutika, uye anowedzera simba kuna vasina simba.
Kunyange majaya anoneta uye anorukutika, uye majaya anogumburwa agowa; asi avo vane tariro muna Jehovha vachavandudza simba ravo. Vachabhururuka namapapiro samakondo; vachamhanya vasinganeti; vachafamba vasingaziyi.
Nyama yangu nomwoyo wangu zvingapera hazvo, asi Mwari isimba romwoyo wangu nomugove wangu nokusingaperi.
Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati,
Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo. Jehovha ndiye simba ravanhu vake, nhare yoruponeso yomuzodziwa wake.
Nehemia akati kwavari, “Endai munodya nomufaro zvokudya zvamunoda nezvokunwa zvinotapira, mugotumirawo zvimwe kuna avo vasina chavakagadzirira. Zuva ranhasi idzvene kuna Ishe wedu. Musazvidya mwoyo, nokuti mufaro waJehovha ndiro simba renyu.”
muchisimbiswa nesimba rose maererano nokubwinya kwesimba rake kuti muve nokutsunga kukuru uye nomwoyo murefu, muchifara kwazvo
Pandakadana, imi makandipindura; makandishingisa nomwoyo wakasimba.
Ishe Jehovha ndiye simba rangu; anoita kuti tsoka dzangu dziite setsoka dzenondo, anondifambisa pamatunhu akakwirira. Kumutungamiri wokuimba, nemitengeranwa yangu.