Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neTariro Yakadzikira

Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neTariro Yakadzikira dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaHebheru 6:19

Tine tariro iyi sechibatiso choMweya, chakasimba chisingazungunuswi. Inopinda mukati mechidzitiro chomutemberi,

02 VaHebheru 6:18

Mwari akaita izvi kuitira kuti, nezvinhu zviviri zvisingashanduki, zvokuti Mwari haagoni kureva nhema, isu vakatiza tikandobatisisa tariro yatakapiwa, tichasimbiswa zvikuru.

03 VaRoma 8:24-25

Nokuti mutariro iyi takaponeswa. Asi tariro inoonekwa haizi tariro zvachose. Ndiani anotarisira chaanacho kare? Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira.

04 VaKorose 1:5

kutenda norudo zvinobva patariro yamakachengeterwa kudenga uye iyo yamakatonzwa nezvayo mushoko rezvokwadi, iro vhangeri

05 1 Petro 1:3

Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,

06 VaHebheru 6:11

Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ave nokushingaira kumwe cheteko kusvikira kumagumo, kuitira kuti muve nechokwadi chetariro yenyu.

07 Mapisarema 62:5-6

Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga; tariro yangu inobva kwaari. Ndiye oga dombo rangu noruponeso rwangu; ndiye nhare yangu, handingazungunuswi.

08 Kuungudza kwaJeremia 3:24

Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”

09 Mapisarema 33:20-21

Tinomirira Jehovha netariro; ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu. Mwoyo yedu inofara maari, nokuti tinovimba nezita rake dzvene.

10 VaRoma 5:5

Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa.

11 VaHebheru 10:23

Ngatibatisisei tariro yatinopupura, tisingazungunuswi, nokuti iye akapikira akatendeka.

Misoro ine chekuita