Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neTariro

Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neTariro dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaRoma 15:13

Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.

02 VaRoma 5:5

Uye tariro hainyadzisi nokuti Mwari akadurura rudo rwake mumwoyo yedu kubudikidza naMweya Mutsvene, uyo waakatipa.

03 VaHebheru 6:19

Tine tariro iyi sechibatiso choMweya, chakasimba chisingazungunuswi. Inopinda mukati mechidzitiro chomutemberi,

04 Jeremia 29:11

Nokuti ndinoziva urongwa hwandinahwo pamusoro penyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “urongwa hwokuti mubudirire, kwete kukuitirai zvakaipa, urongwa hunokupai tariro neramangwana rakanaka.

05 VaRoma 8:24-25

Nokuti mutariro iyi takaponeswa. Asi tariro inoonekwa haizi tariro zvachose. Ndiani anotarisira chaanacho kare? Asi kana tine tariro yechinhu chatisina, tinochimirira nokutsungirira.

06 Mapisarema 39:7

“Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko? Tariro yangu iri mamuri.

07 Kuungudza kwaJeremia 3:25-26

Jehovha akanaka kuna avo vanovimba naye, kumunhu anomutsvaka; chinhu chakanaka kumirira ruponeso rwaJehovha unyerere.

08 1 Petro 1:3

Mwari, Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, ngaarumbidzwe! Nengoni dzake huru, akatibereka patsva akatipinza mutariro mhenyu nokumuka kwaJesu Kristu kubva kuvakafa,

Misoro ine chekuita