Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neTariro muna Mwari

Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neTariro muna Mwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

Wedzera ndima dzese 12 Gadzira account yemahara kuti uzidzidze nemusoro.
01 Mapisarema 42:5 Ndima huru

Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve, Muponesi wangu naMwari wangu.

02 Mapisarema 42:11

Wakasuwireiko, nhai mweya wangu? Unotambudzwa neiko mukati mangu? Isa tariro yako muna Mwari, nokuti ndichamurumbidzazve. Muponesi wangu naMwari wangu.

03 Mapisarema 39:7

“Asi zvino, Ishe, ndakamirireiko? Tariro yangu iri mamuri.

04 Kuungudza kwaJeremia 3:24

Ndinoti kumwoyo wangu, “Jehovha ndiye mugove wangu; naizvozvo ndichamumirira.”

05 Mapisarema 130:5

Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira, uye tariro yangu iri mushoko rake.

06 Mapisarema 33:20-22

Tinomirira Jehovha netariro; ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu. Mwoyo yedu inofara maari, nokuti tinovimba nezita rake dzvene. Rudo rwenyu rusingaperi ngarugare pamusoro pedu, imi Jehovha, kunyange sezvatakaisa tariro yedu mamuri.

07 Mapisarema 71:5

Nokuti muri tariro yangu, imi Ishe Jehovha, ndakavimba nemi kubva pauduku hwangu.

08 Mapisarema 62:5

Iwe mweya wangu, zviwanire zororo muna Mwari oga; tariro yangu inobva kwaari.

09 Mika 7:7

Asi kana ndirini, ndinomirira netariro kuna Jehovha, ndinomirira Mwari Muponesi wangu; Mwari wangu achandinzwa.

10 Mapisarema 147:11

Jehovha anofadzwa naavo vanomutya, vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.

11 Mapisarema 33:18

Asi meso aJehovha ari pamusoro paavo vanomutya, napamusoro paavo vakaisa tariro yavo murudo rwake rusingaperi,

12 VaRoma 15:13

Mwari wetariro ngaakuzadzei nomufaro wose norugare pamunovimba naye, kuti muve netariro izere, nesimba raMweya Mutsvene.

Misoro ine chekuita