Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neRinda Muromo Wako

Ndima 15 dzeBhaibheri dzine chekuita neRinda Muromo Wako dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Zvirevo 21:23

Uyo anorinda muromo wake norurimi rwake anozvidzivirira kubva panjodzi.

02 Mapisarema 141:3

Isai murindi pamuromo wangu, imi Jehovha; chengetai mukova wemiromo yangu.

03 Zvirevo 13:3

Uyo anobata muromo wake anochengeta upenyu hwake, asi uyo anokurumidzira kutaura achaparadzwa.

04 Jakobho 1:26

Kana munhu upi zvake achizviti akarurama uye asingachengeti rurimi rwake zvakasimba, anozvinyengera uye chinamato chake hachina maturo.

05 Mapisarema 39:1

Ndakati, “Ndichangwarira nzira dzangu nokuchengeta rurimi rwangu pachivi; ndichaisa matomu pamuromo wangu kana vakaipa vari pamberi pangu.”

06 Zvirevo 10:19

Kana mashoko ari mazhinji, chivi hachingashayikwi, asi uyo anodzora rurimi rwake akachenjera.

07 Zvirevo 17:28

Kunyange benzi, kana rakanyarara, rinonzi rakachenjera, uye rikabata muromo waro rinonzi rakangwara.

08 Muparidzi 5:2

Usakurumidza nomuromo wako, usakurumidza mumwoyo mako kutaura chipi zvacho chinhu pamberi paMwari. Mwari ari kudenga uye iwe uri pasi, saka mashoko ako ngaave mashoma.

09 Mateo 12:36

Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo.

10 Zvirevo 12:18

Mashoko anotaurwa nokusarangarira anobaya somunondo, asi rurimi rwomunhu akachenjera runoporesa.

11 Zvirevo 4:24

Bvisa zvinotsausa pamuromo wako; kutaura kwakaora ngakuve kure nemiromo yako.

12 Jakobho 1:19

Hama dzangu dzinodikanwa, cherechedzai izvi: Munhu mumwe nomumwe anofanira kukurumidza kunzwa, kunonoka kutaura nokunonoka kutsamwa,

13 Zvirevo 18:21

Rurimi rune simba roupenyu norufu, uye vaya vanoruda vachadya chibereko charwo.

14 Muparidzi 5:6

Usaregera muromo wako uchikutungamirira mukutadza. Uye usapikisa mutumwa wetemberi uchiti, “Ndakakanganisa pakupika.” Mwari achatsamwireiko pamusoro pezvaunotaura, uye agoparadza basa ramaoko ako?

15 Zvirevo 29:20

Unoona here munhu anotaura achikurumidza? Benzi rine tariro zhinji kupfuura iye.

Misoro ine chekuita