Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKupfeka Kuzvininipisa
Ndima 6 dzeBhaibheri dzine chekuita neKupfeka Kuzvininipisa dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Saizvozvo, imi majaya, muzviise pasi pavaya vari vakuru. Imi mose, pfekai kuzvininipisa kuno mumwe nomumwe, nokuti, “Mwari anodzivisa vanozvikudza asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”
Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu.
Naizvozvo, muzvininipise, pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti agokusimudzirai munguva yakafanira.
Musaita chinhu nomwoyo wokuchiva kana kuzvikudza, asi mukuzvininipisa muchionawo vamwe kuti vari nani kupfuura imi.
Kana kuzvikudza kwasvika, ipapo kunyadziswa kwasvikawo, asi uchenjeri huri kune akazvininipisa.
Asi anotipa nyasha zhinji. Ndokusaka Rugwaro ruchiti: “Mwari anodzivisa vanozvikudza, asi anopa nyasha kuna vanozvininipisa.”