Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMhinduro Nyoro

Ndima 5 dzeBhaibheri dzine chekuita neMhinduro Nyoro dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Zvirevo 15:1

Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa, asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.

02 Zvirevo 25:15

Kubudikidza nomwoyo murefu mutongi anogona kunyengetedzwa, uye rurimi runyoro runogona kuvhuna mapfupa.

03 Zvirevo 16:24

Mashoko anofadza akafanana nezinga rouchi, anozipa kumweya, anoporesa mapfupa.

04 VaKorose 4:6

Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose.

05 Zvirevo 12:18

Mashoko anotaurwa nokusarangarira anobaya somunondo, asi rurimi rwomunhu akachenjera runoporesa.

Misoro ine chekuita