Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 1
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Rwiyo Rukuru rwaSoromoni:
2Ngaanditsvode hake nokutsvoda kwomuromo wake. Nokuti rudo rwako runofadza kupfuura waini.
3Kunhuhwirira kwamafuta enyu kunofadza; zita renyu rakafanana namafuta anonhuwirira adururwa. Hazvishamisi kuti mhandara dzinokudai!
4Nditorei muende neni, ngatikurumidzei. Mambo ngaandipinze mudzimba dzake dzomukati. Tinokupembererai uye tinokufarirai; ticharumbidza rudo rwenyu kupfuura waini. Regai zvenyu mhandara dzikudei!
5Kusviba ndakasviba zvangu, asi ndakanaka hangu, vanasikana veJerusarema, ndakasviba samatende eKedhari, sezvidzitiro zvetende raSoromoni.
6Musanditarisisa nokuda kwoutema hwangu, nokuti ndakasvibiswa nezuva. Vanakomana vamai vangu vakanditsamwira vakandiita kuti ndichengete minda yemizambiringa; munda wangu chaiwo wemizambiringa ndakaushayira nguva.
7Ndiudze, iwe mudiwa wangu, kwaunofudzira makwai ako nokwaunozorodzera makwai ako masikati. Ko, ndichaitirei somukadzi akafukidza chiso chake pedyo namakwai eshamwari dzako?
8Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka kukunda vamwe, chitevera makwara amakwai ugondofudzira mbudzana dzako pedyo namatende avafudzi.
9Ndinokufananidza, iwe mudiwa wangu, nebhiza rakasungwa pane imwe yengoro dzaFaro.
10Matama ako akashongedzwa zvakanaka nemhete, mutsipa wako nezvuma zvamatombo anokosha.
11Tichakugadzirira mhete dzenzeve dzegoridhe nesirivha.
12Mambo paakanga agere patafura yake, munhuwi wamafuta andainge ndazora wakapararira.
13Mudiwa wangu, kwandiri akaita sakahomwe kemura kanogara pakati pamazamu angu.
14Mudiwa wangu, kwandiri akaita sesumbu ramaruva machena anobva mubindu remizambiringa yeEni Gedhi.
15Kunaka here kwawakaita uku, mudiwa wangu! A-a, wakazonaka! Meso ako injiva chaidzo!
16Wakanaka sei, mudiwa wangu! A-a, unofadza! Uye mubhedha wedu wakasvibira.
17Nhungo dzeimba yedu ndedzomusidhari; mbariro dzacho ndedzomupaini.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0