Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Ndiri ruva reSharoni, ruva romumipata.

2Seruva riri pakati peminzwa, ndizvo zvakaita mudiwa wangu pakati pemhandara.

3Somuti womuapuro pakati pemiti yesango, ndizvo zvawakaita mudiwa wangu pakati pamajaya. Ndinofarira kugara mumumvuri wake, uye muchero wake unondinakira kuudya.

4Akaenda neni kuimba yamabiko, uye mureza wake pamusoro pangu ndirwo rudo.

5Ndisimbise namazambiringa akaomeswa, ndisimbise namaapuro; nokuti ndoziya norudo.

6Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.

7Imi vanasikana veJerusarema ndinokupikirai nemhara uye nenondo dzesango: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga.

8Inzwai! Inzwi romudiwa wangu! Tarirai! Hoyo ouya achiuruka nomumakomo, achikwakuka nomuzvikomo.

9Mudiwa wangu akafanana nemhara kana netsvana yenondo. Tarirai! Hoyo amira seri kworusvingo rwedu, akatarira napamawindo achidongorera napamaburi apamawindo.

10Mudiwa wangu akataura kwandiri akati, “Simuka, mudiwa wangu, iwe munakunaku wangu, uya tiende tose.

11Tarira! Nguva yechando yapera; mvura yapera; uye haichanayi.

12Maruva oonekwa panyika; nguva yokuimba yasvika, kurira kwenjiva kwonzwikwa munyika yedu.

13Muonde wobereka michero yawo yokutanga; uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuhwira kwazvo. Simuka, uya, mudiwa wangu; munakunaku wangu, uya tiende tose.”

14Njiva yangu iri mumikaha yedombo, munzvimbo dzokuvanda mumativi egomo, ndiratidze chiso chako, ndinoda kunzwa inzwi rako; nokuti inzwi rako rinotapira, uye chiso chako chinoyevedza.

15Tibatirei makava, ivo vana vemakava anoparadza minda yemizambiringa, iyo mizambiringa yedu yotunga maruva.

16Mudiwa wangu ndewangu uye ndiri wake; anofamba-famba pakati pamaruva omubani.

17Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yatiza, pinduka, mudiwa, ubve waita semhara kana tsvana pamusoro pezvikomo.

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0