Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Ndauya zvangu mubindu rangu, hanzvadzi yangu, iwe mwenga wangu; ndaunganidza mura yangu pamwe chete nezvinonhuhwira zvangu. Ndadya zinga rangu rouchi nouchi hwangu; ndanwa waini yangu nomukaka wangu. Idyai, imi shamwari, uye munwe; inwai mugute, imi vanodanana.
2Ndakavata asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura. Inzwai! Mudiwa wangu ari kugogodza, achiti, “Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu, njiva yangu, wangu asina chinongo. Musoro wangu wanyorova nedova, bvudzi rangu ranyoroveswa nounyoro hweusiku.”
3Ndabvisa nguo yangu, ndoipfekazve here? Ndashambidza tsoka dzangu, ndodzisvibisazve here?
4Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake nepahwangwadza yomukova; mwoyo wangu wakatanga kumudokwairira.
5Ndakasimuka kuti ndizarurire mudiwa wangu, maoko angu akadonha mura, mimwe yangu ichiyerera mura, pazvibato zvechizarira.
6Ndakazarurira mudiwa wangu, asi mudiwa wangu akanga abva; akanga atoenda. Mwoyo wangu wakarwadziwa nokuenda kwake. Ndakamutsvaka asi handina kumuwana. Ndakamudana asi haana kupindura.
7Varindi vakandiona pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta. Vakandirova, vakandikuvadza; vakanditorera jasi rangu, ivavo varindi vamasvingo!
8Imi vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai, kana mukaona mudiwa wangu, muchamuudzeiko? Mumuudze kuti ndinorwara nerudo.
9Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii, zvaunotirayira kudaro?
10Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku, anokunda vanokwana zviuru gumi.
11Musoro wake igoridhe chairo; bvudzi rake rinoyevedza uye rakasviba segunguo.
12Meso ake akafanana nenjiva dziri pahova dzemvura, dzakashambidzwa mumukaka, akarongwa sezvishongo.
13Matama ake akaita semihomba yezvinonhuhwira inobereka zvinonhuhwira. Miromo yake yakaita samaruva amahapa anodonha mura.
14Maoko ake itsvimbo dzegoridhe dzakaiswa mabwe anokosha ekrisorite. Muviri wake wakaita senyanga dzenzou dzinobwinya dzakashongedzwa nesafire.
15Makumbo ake imbiru dzamabwe machena akamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa. Chimiro chake chakaita seRebhanoni, chakanakisisa semisidhari yayo.
16Muromo wake inhapitapi pachayo; zvirokwazvo akaisvonaka. Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye shamwari yangu, imi vanasikana veJerusarema.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0