Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 6
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Ko, mudiwa wako aendepiko, iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi? Mudiwa wako aenda nokupiko, kuti tigomutsvaka pamwe chete newe?
2Mudiwa wangu adzika kubindu rake, kumihomba yezvinonhuwirira, kuti andomema mumapindu uye agotanha maruva.
3Ini ndiri womudiwa wangu uye mudiwa wangu ndowangu; anomema pakati pamaruva.
4Wakanaka iwe mudiwa wangu, seTiriza, unoyevedza seJerusarema, unoremekedzeka samauto ane mireza.
5Bvisa meso ako pandiri; anondikunda. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka muGireadhi.
6Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukushambidzwa. Rimwe nerimwe rine rarakafanana naro, pasina riri roga zvaro.
7Zvavovo zvako zviri mumumbure wako zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba.
8Kungava navanamambokadzi makumi matanhatu, navarongo makumi masere nemhandara dzisingaverengeki;
9Asi njiva yangu, iye akakwana wangu, ndiwe mumwe oga, mwanasikana mumwe oga wamai vake, iye woga anodikanwa naiye akamubereka. Mhandara dzakamuona dzikamuti akaropafadzwa. Vanamambokadzi navarongo vakamurumbidza.
10Ko, ndiani uyo anoratidzika samambakwedza, akanaka somwedzi, anopenya sezuva, akanaka senyeredzi dziri mumudungwe?
11Ndakadzika kusango remiti yemipfura kundoona zvitsva zvakamera mumupata, kundoona kana mizambiringa yainge yabukira, kana kuti mitamba yainge yava namaruva.
12Ndisati ndambodii, mwoyo wangu wakandiisa pakati pengoro dzoumambo dzavanhu vangu.
13Dzoka, dzoka iwe muShurami; dzoka, dzoka kuti timbokuona! Ko, munodirei kuona muShurami sezvamunoita mutambo weMahanaimi?
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0