Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 4
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Wakanaka sei, mudiwa wangu! A, wakazonaka! Meso ako uri mumumbure injiva chaidzo. Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi riri kuburuka kubva muGomo reGireadhi.
2Meno ako akafanana neboka ramakwai achangobva mukuveurwa, ari kubva kundoshambidzwa. Rimwe nerimwe riine rarakafanana naro, pasina rimwe riri roga zvaro.
3Miromo yako yakafanana nomucheka mutsvuku; muromo wako wakaisvonaka. Zvavovo zvako zviri mumumbure wako zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba.
4Mutsipa wako wakafanana neshongwe yaDhavhidhi yakavakwa zvinoyevedza. Mairi makaturikwa nhoo dzine chiuru, dzose dziri nhoo dzemhare.
5Mazamu ako ari maviri akafanana netsvana mbiri dzemhara, mapatya emhara dzinofura pamwe chete pakati pemaruva.
6Kusvikira zuva rabuda uye mimvuri yotiza, ndichaenda kugomo remura nokuchikomo chezvinonhuhwira.
7Wakaisvonaka iwe, mudiwa wangu; mauri hamuna kana chinongo.
8Ngatibvei tose kuRebhanoni, iwe mwenga wangu, ngatibvei tose kuRebhanoni. Buruka kubva pamusoro-soro peAmana, kubva pamusoro peSeniri, pamusoro-soro peHerimoni, kubva kumapako eshumba nokumakomo anofamba-famba mbada.
9Watora mwoyo wangu hanzvadzi yangu, mwenga wangu; wanditora mwoyo nokungondiringa kwawaita kamwe chete, uye nedombo rimwe rinokosha rechishongo chomutsipa wako.
10Rudo rwako kwandiri runondifadza sei, hanzvadzi yangu, mwenga wangu! Rudo rwako runofadza sei kukunda waini, uye kunhuhwira kwamafuta ako okuzora kunokunda zvose zvinonhuhwira.
11Miromo yako inodonhesa zvinotapira sezinga rouchi, mwenga wangu; uchi nomukaka zviri pasi porurimi rwako. Kunhuhwira kwenguo dzako kwakafanana nokweRebhanoni.
12Uri bindu rakapfigwa, hanzvadzi yangu, mwenga wangu. Uri tsime rakakomberedzwa, nechitubu chakavakirirwa.
13Miti yako ibindu ramatamba nemimwe michero yakaisvonaka, hena nenaridhi,
14naridhi nesafuroni, karamusi, nesinamoni, nemiti yose inogadziriswa zvinonhuhwira nemura negavakava, uye nezvose zvinonhuhwira zvakanakisisa.
15Uri chitubu chomubindu, tsime remvura inoerera, inoerera ichibva kuRebhanoni.
16Muka, iwe mhepo yokumusoro, uye uya iwe mhepo yezasi! Vhuvhuta napabindu rangu kuti kunhuhwirira kwezvirimo kuparadzirwe kwose kwose. Rega mudiwa wangu apinde mubindu rake, agoravira michero yaro yakaisvonaka, sepaanodira.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0