Isaya 9
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Kunyange zvakadaro, hakuchazovazve nerima kuna avo vakanga vari munhamo. Pamazuva akare akaninipisa nyika yeZebhuruni nenyika yeNafutari, asi panguva inouya achakudza Garirea reveDzimwe Ndudzi, nenzira yokugungwa mhiri kwaJorodhani.
2Vanhu vaifamba murima vakaona chiedza chikuru; avo vaigara munyika yomumvuri worufu, chiedza chakavavhenekera.
3Makakurisa rudzi mukawedzera mufaro wavo; vanofara pamberi penyu savanhu vanofara panguva yokukohwa, sokufara kwavarume, kana vachigoverana zvakapambwa.
4Nokuti sapamazuva okukundwa kwavaMidhia, vamakaparadzira joko raivaremera, nedanda raichinjika mafudzi avo, iyo tsvimbo yavamanikidzi vavo.
5Shangu imwe neimwe yomurwi yakashandiswa muhondo, nenguo imwe neimwe yakaumburudzwa muropa, zvichapiswa, zvichava huni dzomoto.
6Nokuti takazvarirwa mwana, takapiwa mwanakomana, uye umambo huchava pamapfudzi ake. Uye achanzi Gota Rinoshamisa, Mwari Ane Simba, Baba Vokusingaperi, Muchinda woRugare.
7Kukura kwoumambo hwake nekworugare rwake hazvizovi namagumo. Achatonga pachigaro choushe chaDhavhidhi napamusoro poumambo hwake, achihusimbisa nokuhutsigira, nokururamisira uye nokururama, kubva panguva iyoyo kusvikira nokusingaperi. Kushingaira kwaJehovha Wamasimba Ose kuchazviita.
8Jehovha akatuma shoko pamusoro paJakobho; richawira pamusoro paIsraeri.
9Vanhu vose vachariziva, Efuremu navagari vomuSamaria, ivo vanoti nokuzvikudza kwavo uye namanyawi emwoyo,
10“Zvidhinha zvakoromokera pasi, asi tichavakazve namatombo; mionde yatemerwa pasi, asi tichaitsiva nemisidhari.”
11Asi Jehovha akamutsira Rezini vadzivisi akakurudzira vavengi vavo.
12VaAramu vachibva nokumabvazuva navaFiristia vachibva nokumavirira vakapedza vaIsraeri nomuromo wakashama. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake ruchatongotambanudzwa.
13Asi vanhu havana kutendeukira kuna iye akavarova, kana kutsvaka Jehovha Wamasimba Ose.
14Naizvozvo Jehovha achadimura vaIsraeri vose musoro nomuswe, zvose davi romuchindwe norutsanga pazuva rimwe;
15vakuru navarume vanokudzwa ndivo musoro, vaprofita vanodzidzisa nhema ndivo muswe.
16Vanotungamirira vanhu ava vanovatsausa, navose vanotungamirirwa vanotsauswa.
17Naizvozvo Jehovha haachazofariri majaya, kana kuva netsitsi nenherera nechirikadzi, nokuti mumwe nomumwe wavo haana umwari uye akaipa, muromo mumwe nomumwe unotaura zvoupenzi. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa.
18Zvirokwazvo zvakaipa zvinopfuta somoto; unopisa rukato neminzwa, unopisa matenhere edondo zvokuti unokwira kudenga mushongwe youtsi.
19Kubudikidza nokutsamwa kwaJehovha Wamasimba Ose nyika ichapiswa kwazvo uye vanhu vachava huni dzomoto; hapana achaponesa hama yake.
20Kurudyi vachadya asi vacharamba vane nzara; kuruboshwe, vachadya asi havangaguti. Mumwe nomumwe achadya nyama yomwana wake.
21Manase achadya Efuremu uye Efuremu achadya Manase; pamwe chete vachamukira Judha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake ruchakangosimudzwa.
Isaya
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0