Isaya 62

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Nokuda kweZioni handinganyarari, nokuda kweJerusarema handingarambi ndinyerere, kusvikira kururama kwake kwapenya samambakwedza, noruponeso rwake somwenje unopfuta.

2Ndudzi dzichaona kururama kwako, uye madzimambo ose achaona kubwinya kwako; iwe uchadaidzwa nezita idzva richataurwa nomuromo waJehovha.

3Uchava korona yokubwinya muruoko rwaJehovha, ukomba hwoumambo muruoko rwaMwari wako.

4Havachazokutizve Musiyiwa, kana kutumidza nyika yako kuti Dongo. Asi uchatumidzwa kuti Hefizibha uye nyika yako ichanzi Bhiyura; nokuti Jehovha achakufarira, uye nyika yako icharoorwa.

5Sejaya zvarinowana mhandara, saizvozvo vanakomana vako vachakuwana; sechikomba chinofarira mwenga, saizvozvo Mwari wako achafara pamusoro pako.

6Ndakagadza nharirire pamasvingo ako, iwe Jerusarema; havangambonyarari masikati kana usiku. Imi munodana kuna Jehovha, musazorora,

7uye musamupa zororo kusvikira asimbisa Jerusarema, uye ariita rumbidzo yenyika.

8Jehovha akapika noruoko rwake rworudyi, noruoko rwake rune simba achiti, “Handichazopizve zviyo zvenyu sezvokudya kuvavengi venyu, uye vatorwa havachazonwizve waini itsva yamakatamburira;

9asi ivo vanokohwa ndivo vachadya uye vacharumbidza Jehovha, uyewo vaya vanounganidza mazimbiringa ndivo vachainwa mumavazhe eimba yangu tsvene.”

10Pfuurai, pfuurai napamasuo! Gadzirirai vanhu nzira. Vakai, vakai mugwagwa mukuru! Bvisai mabwe. Simudzirai ndudzi mureza.

11Jehovha akaparidzira kumagumo enyika achiti, “Uti kuMwanasikana weZioni, ‘Tarira, Muponesi wako ouya! Tarira, mubayiro wake anawo, uye kuripira kwake kunomutevera.’ ”

12Vachanzi Vanhu Vatsvene, Vakadzikinurwa vaJehovha; uye iwe uchanzi Mutsvakwa, iro Guta Risina Kuzova Dongo.

Isaya

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0