Isaya 5
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Ndichaimbira mudiwa wangu rwiyo pamusoro pomunda wake wemizambiringa: Mudiwa wangu akanga ane munda wake wemizambiringa, pachikomo chakaorera.
2Akautimbira akabvisa mabwe akasimamo mazambiringa akaisvonaka. Akavaka shongwe mukati mawo uye akauchererawo chisviniro chewaini. Ipapo akatarisa kuti awane zvibereko zvamazambiringa akanaka, asi iwo wakangobereka muchero wakaipa chete.
3“Zvino imi vagari vomuJerusarema nemi varume veJudha, chitongai pakati pangu nomunda wemizambiringa wangu.
4Chiiko chimwezve chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Pandakatsvaka mazambiringa akanaka, wakagoberekerei akaipa oga?
5Zvino ndichakuudzai zvandichaitira munda wangu wemizambiringa: Ndichabvisa ruzhowa rwawo, ugoparadzwa; ndichaputsa rusvingo rwawo, ugochatsikwa-tsikwa.
6Ndichauita nzvimbo yamarara, hauzochekererwi kana kusakurirwa, uye minzwa norukato zvichakuramo. Ndicharayira makore kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.”
7Munda womuzambiringa waJehovha Wamasimba Ose ndiwo imba yaIsraeri, uye varume veJudha ndivo bindu rake rinomufadza. Zvino akatarisira kururamisira asi akaona kuteuka kweropa; akatsvaka kururuma, asi akanzwa kuchema kwokutambudzika.
8Mune nhamo imi munowedzera dzimba nedzimba uye munobatanidza munda nomunda, kusvikira pasisina nzvimbo yasara, mugogara moga munyika.
9Jehovha Wamasimba Ose akataura ndichinzwa akati, “Zvirokwazvo dzimba zhinji dzichava matongo, dzimba huru dzakanaka dzichashaya vanogaramo.
10Maeka gumi omunda wemizambiringa achabereka bhati rimwe chete rewaini, uye homeri rembeu richabereka efa imwe chete rezviyo.”
11Vane nhamo avo vanomuka mangwanani kuti vatsvake doro rinodhaka, vanogara kusvikira usiku, kusvikira vapengeswa newaini.
12Vanenge vane rudimbwa, nemitengeranwa pamabiko avo, namatambureni, nenyere newaini, asi havana hanya namabasa aJehovha, havana rukudzo nebasa ramaoko ake.
13Naizvozvo vanhu vangu vachapinda muutapwa, nokuda kwokushayiwa zivo; vanokudzwa vavo vachafa nenzara, uye vazhinji vavo vachafa nenyota.
14Naizvozvo gehena rakawedzera kukara kwaro, uye rakazarura muromo waro zvinodarika mwero; mariri muchaburukira vanokudzwa vavo nevoruzhinji, navose vanokakavara vavo navanofara vavo.
15Naizvozvo munhuwo zvake achadzikiswa, marudzi avanhu achaninipiswa, nameso avanozvikudza achaninipiswa.
16Asi Jehovha Wamasimba Ose achakudzwa, nokuda kwokururamisira kwake, uye Mwari, mutsvene achazviratidza pachake kuti mutsvene, mukururama kwake.
17Ipapo makwai achafura saari mumafuro awo; makwayana achadya pakati pamatongo avapfumi.
18Vane nhamo avo vanokweva chivi nerwodzi rwokunyengera, uye zvakaipa sezvinenge mabote engoro,
19uye nevanoti, “Mwari ngaakurumidze, ngaachimbidzike nebasa rake kuti tirione. Ngarisvike, urongwa hwoMutsvene waIsraeri ngahuuye, kuti tihuzive.”
20Vane nhamo avo vanoti zvakaipa ndizvo zvakanaka, uye zvakanaka ndizvo zvakaipa, vanoisa rima panzvimbo yechiedza nechiedza panzvimbo yerima, vanoisa zvinovava panzvimbo yezvinotapira, nezvinotapira panzvimbo yezvinovava.
21Vane nhamo avo vanoti vakachenjera pameso avo, uye vakangwara pakuona kwavo.
22Vane nhamo avo vanova mhare pakunwa waini, uye shasha pakuvhenganisa zvokunwa zvinodhaka,
23vanopembedza ane mhosva nokuda kwefufuro, asi vanoramba kururamisira vasina mhosva.
24Naizvozvo, samarimi omoto anonanzva mashanga, uye souswa hwakaoma hunomedzwa nemirazvo yemoto, naizvozvo midzi yavo ichaora uye maruva avo achapeperetswa seguruva; nokuti vakaramba murayiro waJehovha Wamasimba Ose, uye vakazvidza shoko roMutsvene waIsraeri.
25Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwopfuta pamusoro pavanhu vake; ruoko rwake rwasimudzwa uye anovarovera pasi. Makomo anozungunuka, uye mitumbi yavakafa yaita samarara mumigwagwa. Kunyange zvakadaro nokuda kwezvose izvi, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake rwaramba rwakasimudzwa.
26Anosimudzira ndudzi dziri kure mureza, anoridzira muridzo kuna avo vari kumigumo yenyika. Havo vouya, nokukurumidza uye nokuchimbidzika!
27Hapana kana mumwe wavo anoneta kana kugumburwa, hapana kana mumwe wavo achakotsira kana kuvata; hapana kana bhanhire richasunungurwa pachiuno, hapana kana rukanda rweshangu ruchadambuka.
28Miseve yavo inopinza, uta hwavo hwose hwakakungwa; mahwanda amabhiza avo anenge omusarasara, mavhiri engoro dzavo akaita sechamupupuri.
29Kuomba kwavo kwakaita sokweshumba, vanoomba kufanana neshumba diki; vanodzvova pavanobata mhuka yavo vagoitakura pasina kana angairwira.
30Pazuva iro vachaomba pamusoro payo, sokutinhira kwegungwa. Uye kana mumwe akatarisa panyika, achaona rima nokutambudzika; kunyange chiedza chichasvibiswa namakore.
Isaya
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0