Isaya 21

Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)

1Chirevo pamusoro peRenje riri pedyo neGungwa: Kufanana nechamupupuri chinovhuvhuta nomunyika yezasi, mupambi anouya achibva kurenje, kubva kunyika inotyisa.

2Ndaratidzwa chiratidzo chinorwadza. Mupanduki anopanduka, muparadzi anotora zvokupamba Eramu, rwisa! Medhia, vandira! Ndichagumisa kugomera kwose kwaakaita kuti kuvepo.

3Naizvozvo muviri wangu wakazara nokurwadziwa; marwadzo akandibata, kufanana nomukadzi ari kusununguka; ndiri kudzedzereka nezvandinonzwa, ndakanganisika nezvandinoona.

4Mwoyo wangu woziya, kutya kwondidederesa; rubvunzavaeni rwandaishuva rwava chinyangadzo kwandiri.

5Vanogadzira matafura, vanowaridza micheka pasi, vanodya, vanonwa! Simukai, imi machinda, zodzai nhoo!

6Zvanzi naIshe kwandiri: “Endai, mundogadza nharirire uye muite kuti azivise zvaanoona.

7Kana achiona ngoro namapoka amabhiza, navatasvi vari pamusoro pembongoro kana vatasvi vari pamusoro pengamera, ngaave akachenjera, akachenjera zvizere.”

8Ipapo nharirire yakadanidzira ichiti, “Zuva nezuva, tenzi wangu, ndinomira pamusoro peshongwe yomurindi; usiku hwoga hwoga ndinogara panzvimbo yangu.

9Tarirai, hoyo murume ari kuuya ari mungoro neboka ramabhiza. Uye anopa mhinduro achiti, ‘Bhabhironi rawa, rawa! Zvifananidzo zvose zvavamwari varo zvaputsirwa pasi!’ ”

10Haiwa, vanhu vangu vapwanyirwa paburiro, ndinokuudzai zvandanzwa kubva kuna Jehovha Wamasimba Ose, kubva kuna Mwari waIsraeri.

11Chirevo pamusoro peDhuma: Mumwe anodana kwandiri ari kuSeiri, achiti, “Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku? Nharirire iwe, inguvaiko ino yousiku?”

12Nharirire inopindura ichiti, “Mambakwedza achauya, asi nousikuwo. Zvino kana uchida kubvunza, bvunza; uye ugodzokazve.”

13Chirevo pamusoro peArabhia: Imi ngoro dzavaDhedhani, munodzika misasa mumatenhere eArabhia,

14vigirai vane nyota mvura; imi munogara muTema, uyai nezvokudya zvavanotiza.

15Vari kutiza munondo, kubva kumunondo wavhomorwa, nokuuta hwawemburwa, uye nokupisa kwehondo.

16Zvanzi naJehovha kwandiri: “Pachinguva chegore rimwe chete, sokuverenga kungaita mushandi akabatwa nechibvumirano, kuzvikudza kwose kweKedhari kuchapera.

17Varume vouta vachapunyuka, ivo mhare dzeKedhari vachava vashoma.” Jehovha, Mwari weIsraeri ataura.

Isaya

Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.

© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0