Isaya 16
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1Tumirai mutero wamakwayana kumutongi wenyika, kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje, kugomo roMwanasikana weZioni.
2Kufanana neshiri dzadzungaira dzichisundidzirwa kubva mudendere, ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu pamazambuko eAmoni.
3“Tipeiwo zano, ruramisirai. Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku, pamasikati makuru. Viga vatizi, usapandukira vapoteri.
4Rega vatizi veMoabhu vagare newe, iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.” Mutambudzi achasvika kumagumo, uye kuparadza kuchapera; mudenhi achatsakatika panyika.
5Murudo, chigaro choushe chichasimbiswa; mukutendeka, munhu achagarapo, mumwe anobva kuimba yaDhavhidhi, uyo anoti achitonga anotsvaka kururamisira, uye achikurumidza kuita zvakarurama.
6Takanzwa nezvokuzvikudza kwaMoabhu, namanyawi ake makuru uye kuzvida kwake, kuzvikudza kwake nokuvirima kwake, asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.
7Naizvozvo vaMoabhu voungudza, vanoungudzira Moabhu pamwe chete. Chemai musuwe nokuda kwavarume veKiri Hareseti.
8Minda yeHeshibhoni yaoma uye mazambiringa eSibhima aomawo. Vatongi vendudzi vatsika-tsika mizambiringa yakaisvonaka, iyo yaimbosvika kuJazeri uye yaitandira yakananga kurenje. Mabukira ayo aitandira kusvika kugungwa.
9Saka ndinochema, sokuchema kweJazeri, nokuda kwemizambiringa yeSibhima. Haiwa Heshibhoni, haiwa Ereare, ndichakudiridza nemisodzi! Ruzha rwomufaro pamusoro pemizambiringa yakaibva napamusoro pezvamakakohwa rwanyaradzwa.
10Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa; hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa; hapana anosvina waini pazvisviniro, nokuti ndagumisa ruzha rwacho.
11Mwoyo wangu unorira nokuda kwaMoabhu, kufanana nokurira kwembira, mukati kati mangu munorira nokuda kweKiri Hareseti.
12Zvino kana Moabhu achizviratidza panzvimbo dzake dzakakwirira, anenge achingozvinetsa pachake; paanoenda kuimba yake kunonyengetera, zvinenge zvisina chazvinobatsira,
13Iri ndiro shoko rakataurwa kare naJehovha pamusoro peMoabhu.
14Asi zvino Jehovha anoti, “Makore matatu asati apfuura, sokuverengwa kwaangaitwa nomuranda akazvisunga kubatira mubayiro, kukudzwa kweMoabhu navanhu vake vose vakawanda kuchazvidzwa, uye vakapunyuka vake vachava vashoma kwazvo uye vasina simba.”
Isaya
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0