Isaya 47
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (Biblica)
1“Buruka, ugare muguruva, iwe Mhandara yeBhabhironi; gara pasi usina chigaro choushe, iwe Mhandara yavaBhabhironi. Hauchazonzi uri munyoro kana munhu akapfava.
2Tora makuyo ukuye upfu; bvisa vhoiri rako. Fukura nguo dzako, makumbo ako aonekwe, uyambuke hova.
3Kushama kwako kuchava pachena, uye kunyadzwa kwako kuchaonekwa. Ndichatsiva; handizosiyi munhu.”
4Mudzikinuri wedu, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake; ndiye Mutsvene waIsraeri.
5Gara unyerere, enda murima, Mhandara yavaBhabhironi; hauchazonzi mambokadzi wenyika dzakasiyana-siyana.
6Ndakatsamwira vanhu vangu ndikasvibisa nhaka yangu; ndakavapa muruoko rwako, iwe ukasavanzwira ngoni. Kunyange vakakwegura wakavatakudza joko rinorema kwazvo.
7Wakati, “Ndicharamba ndiri mambokadzi nokusingaperi!” Asi hauna kufunga zvinhu izvi, kana kucherechedza zvaizogona kuitika.
8Naizvozvo zvino, chinzwa, iwe chisikwa chisingagutsikani, ugere zvakachengetedzeka, uchiti, mumwoyo mako, “Ndini, hakuna mumwe kunze kwangu. Handizovi chirikadzi, uye handizotambudziki nokurasikirwa navana.”
9Zviviri izvozvi zvichakuwira nechinguva chidiki diki, pazuva rimwe chete zvinoti: kufirwa navana nouchirikadzi. Zvichauya pamusoro pako nechiyero chizere, kunyange uine unʼanga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.
10Wakavimba nezvakaipa zvako uye wakati, “Hapana anondiona.” Uchenjeri hwako nezivo yako zvinokutsausa paunoti, mumwoyo mako, “Ndini, uye hakuna mumwe kunze kwangu.”
11Dambudziko richakuwira, uye haugoni kuzoziva kuti ungaritanda sei. Njodzi ichakuwira yausingagoni kubvisa nomuripo; pakarepo kuparadza kwausingagoni kuziva, kuchawira pamusoro pako.
12“Zvino, enderera hako mberi nouroyi hwako, uye nounʼanga hwako huzhinji, hwawakashandira kubva paudiki hwako. Zvichida uchabudirira, zvichida uchavhundutsira vamwe.
13Mazano ose awakagamuchira, akakunetesa chete! Vanhu vako vanocherechedza nyeredzi ngavauye mberi, avo vanotarira nyeredzi vachifembera mwedzi nomwedzi, ngavakuponese pane zviri kuuya pamusoro pako.
14Zvirokwazvo vakafanana namashanga; moto uchaapisa akapera. Havangatongogoni kuzvirwira, pasimba romurazvo womoto. Asi hapana mazimbe okuti munhu adziyirwe; hapana moto wokudziya ipapo.
15Izvozvi ndizvo chete zvavangakuitira, ava vawakashanda navo, uye ukafamba navo kubva paudiki hwako. Mumwe nomumwe wavo anoenderera mberi nokukanganisa kwake; hapana kana mumwe angakuponesa.
Isaya
Open the interactive reader to switch translations, adjust type, and mark verses — or browse verses by topic.
© 2005, 2018 Biblica, Inc. · CC BY-SA 4.0