Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neAni Naani Anotenda

Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neAni Naani Anotenda dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

Wedzera ndima dzese 11 Gadzira account yemahara kuti uzidzidze nemusoro.
01 Johani 3:36 Ndima huru

Ani naani anotenda muMwanakomana ano upenyu husingaperi, asi ani naani anoramba Mwanakomana haangaoni upenyu, nokuti kutsamwa kwaMwari kunogara pamusoro pake.”

02 Johani 3:16

“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.

03 VaRoma 10:9

Kuti kana ukapupura nomuromo wako kuti, “Jesu ndiye Ishe” uye ukatenda mumwoyo mako kuti Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uchaponeswa.

04 Mabasa 16:31

Vakapindura vakati, “Tenda kuna She Jesu ugoponeswa, iwe neimba yako.”

05 Johani 6:47

Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, uyo anotenda ndiye ano upenyu husingaperi.

06 Johani 11:25-26

Jesu akati kwaari, “Ndini kumuka noupenyu. Uyo anotenda kwandiri achararama, kunyange dai akafa; uye ani naani anorarama uye anotenda mandiri haangatongofi. Unotenda here izvi?”

07 Johani 5:24

“Ndinokuudzai chokwadi kuti, ani naani anonzwa shoko rangu uye achitenda uyo akandituma, ano upenyu husingaperi uye haachazotongwi, abva murufu uye aenda kuupenyu.

08 Johani 1:12

Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari,

09 Mabasa 13:39

Kubudikidza naye munhu wose anotenda anoruramiswa pazvinhu zvose zvamanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurayiro waMozisi.

10 VaRoma 10:11

Sezvinorehwa noRugwaro ruchiti: “Ani naani anotenda kwaari haanganyadziswi.”

11 Johani 20:31

Asi izvi zvakanyorwa kuti mugotenda kuti Jesu ndiye Kristu, Mwanakomana waMwari, uye kuti kana mukatenda muve noupenyu muzita rake.

Misoro ine chekuita