Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKudzidziswa Nokuranga
Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neKudzidziswa Nokuranga dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Hakuna kurangwa kunofadza panguva yacho, asi kuti kunorwadza. Asi, zvisinei, pashure kunobereka gohwo rokururama norugare kuna avo vakadzidziswa nako.
nokuti Ishe anoranga uyo waanoda, uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.”
Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha, uye usatsamwira kutsiura kwake, nokuti Jehovha anoranga avo vaanoda, sababa nomwanakomana wavanofarira.
Kwete, ndinorovedzera muviri wangu uye ndinouita muranda wangu kuitira kuti mushure mokunge ndapedza kuparidzira vamwe, ini pachangu ndirege kushayiwa mubayiro.
“Akaropafadzwa munhu anogadziridzwa zvaari naMwari; saka usazvidza kuranga kwoWamasimba Ose.
Naizvozvo zvizive mumwoyo wako kuti Jehovha Mwari wako anokuranga, somunhu anoranga mwanakomana wake.
Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, utendeuke.