Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKukura mumweya
Ndima 10 dzeBhaibheri dzine chekuita neKukura mumweya dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino nokusingaperi. Ameni.
Savacheche vachangoberekwa, pangai mukaka wakachena womweya, kuti mugokuriswa nawo muruponeso rwenyu,
Uye tinonyengeterera izvi kuitira kuti mugare upenyu hwakafanira uye kuti mumufadze iye mune zvose: muchibereka zvibereko mumabasa ose akanaka, muchikura mukuziva Mwari,
Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu.
Akafanana nomuti wakasimwa pahova dzemvura, unobereka michero yawo nenguva yawo, uye mashizha awo haasvavi. Chinhu chipi nechipi chaanoita chinoendeka.
ndichiziva izvi, kuti iye akatanga basa rakanaka mamuri acharipedzisa kusvikira pazuva raKristu Jesu.
Achafanana nomuti wakasimwa pamvura, unotuma midzi yawo kurukova. Hautyi kana kupisa kuchisvika; mashizha awo anogara ari manyoro. Haufunganyi mugore rokusanaya kwemvura, uye haumboshayiwi zvibereko.”
Ngatimuzivei iye Jehovha; ngatishingairirei kumuziva. Zvirokwazvo sokubuda kwezuva, achaonekwa; achauya kwatiri semvura yomuchando, semvura yebumharutsva inodiridza nyika.”
Uye uyu ndiwo munyengetero wangu: kuti rudo rwenyu ruwande uye muwanze kuziva nokunzwisisa,
Ishe ngaakurise rudo rwenyu uye rupfachukire kuno mumwe nomumwe nokuvanhu vose, sezvinoita rwedu kwamuri.