Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKukura Mumweya Nokuitwa Vatsvene
Mwari vari kuita vanhu vavo vatsvene, vachitishandura kuti tive nomufananidzo woMwanakomana wavo zuva nezuva. Kukura kunouya patinogara maari, tichidya Shoko ravo, nokuzvipira kuMweya wavo. Ndima idzi dzinodyisa kukura kwakasimba kweupenyu hwose muna Kristu.
Asi kurai munyasha nomukuziva Ishe noMuponesi wedu, Jesu Kristu. Ngaave nokubwinya zvino nokusingaperi. Ameni.
Zvino isu, vane zviso zvisina kufukidzwa tose tinoratidza kubwinya kwaShe, tiri kushandurwa kuti tifanane naye nokubwinya kunoramba kuchiwedzerwa, kunobva kuna Ishe, anova iye Mweya.
Naizvozvo ngatisiyei dzidziso dzokutanga pamusoro paKristu uye tipfuurire mberi mukukura, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka kubva pamabasa anotungamirira kurufu, uye nokutenda muna Mwari,
Naizvozvo endai mudzidzise ndudzi dzose, muchivabhabhatidza muzita raBaba, neroMwanakomana neroMweya Mutsvene,
Musaramba muchizvienzanisa namaitiro enyika ino, asi mushandurwe nokuvandudzwa kwepfungwa dzenyu. Ipapo muchakwanisa kuti muedze uye mugoziva kuti kuda kwaMwari ndokupi, kuda kwake kwakanaka, kunomufadza uye kwakakwana.
ndinoshingairira kuchinangwa chokupedzisira kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu.
Hakuna kurangwa kunofadza panguva yacho, asi kuti kunorwadza. Asi, zvisinei, pashure kunobereka gohwo rokururama norugare kuna avo vakadzidziswa nako.
Ndakakupai mukaka, kwete zvokudya zvikukutu, nokuti makanga musingagoni kudya. Zvirokwazvo, hamusati mava kugona kudya nazvino.
mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake.
Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji.
Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodiwa, sezvamunogara muchiteerera, kwete ndiripo bedzi, asi zvino zvikuru ndisipo, rambai muchishandira ruponeso rwenyu nokutya nokudedera,