Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKufananidzwa noMufananidzo Wake

Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neKufananidzwa noMufananidzo Wake dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaRoma 8:29

Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji.

02 2 VaKorinde 3:18

Zvino isu, vane zviso zvisina kufukidzwa tose tinoratidza kubwinya kwaShe, tiri kushandurwa kuti tifanane naye nokubwinya kunoramba kuchiwedzerwa, kunobva kuna Ishe, anova iye Mweya.

03 1 Johani 3:2

Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari.

04 VaFiripi 3:21

uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yakazvidzika kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.

05 VaGaratia 4:19

Vana vangu vanodikanwa, vandinotamburirazve pakubereka kusvikira Kristu aumbwa mamuri,

06 VaKorose 3:10

mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake.

07 VaEfeso 4:24

uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene.

08 1 VaKorinde 15:49

Uye sezvatakanga tine mufananidzo womunhu wapanyika, saizvozvowo tichava nomufananidzo womunhu akabva kudenga.

09 VaRoma 8:28-29

Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga. Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji.

10 1 Petro 1:15-16

Asi saiye akakudanai mutsvene, ivai vatsvene pane zvose zvamunoita; nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Ivai vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.”

11 2 Petro 1:4

Kubudikidza naizvozvo, akatipa zvipikirwa zvake zvikuru kwazvo zvinokosha kuti nazvo, mugone kugoverwa umwari uye mugotiza kuora kwomunyika kunouyiswa nokuchiva.

12 VaGaratia 5:22-23

Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi.

Misoro ine chekuita