Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuyaruka mumweya

Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuyaruka mumweya dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaHebheru 6:1

Naizvozvo ngatisiyei dzidziso dzokutanga pamusoro paKristu uye tipfuurire mberi mukukura, tisingaisizve nheyo dzokutendeuka kubva pamabasa anotungamirira kurufu, uye nokutenda muna Mwari,

02 VaEfeso 4:13

kudzamara isu tose tasvika pahumwe mukutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu.

03 VaKorose 1:28

Tinomuparidza, tichirayira uye tichidzidzisa munhu wose nouchenjeri hwose, kuitira kuti tisvitse munhu wose akakwana muna Kristu.

04 1 VaKorinde 14:20

Hama, regai kufunga savana. Pazvinhu zvakaipa ivai savacheche, asi pakufunga kwenyu muve savanhu vakuru.

05 Jakobho 1:4

Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu.

06 2 Petro 1:8

Nokuti kana mune zvinhu izvi, zvichiramba zvichiwanda, zvichakuitai kuti musava nousimbe uye musashayiwa zvibereko mukuziva kwenyu Ishe wedu Jesu Kristu.

07 VaFiripi 3:15

Isu tose takura tinofanira kuva nepfungwa iyoyo. Uye kana pane dzimwe nguva imi muchifunga zvakasiyana, izvozvowo Mwari achazvijekesa kwamuri.

08 VaHebheru 5:14

Asi zvokudya zvikukutu ndezvavakuru, avo vakazvidzidzisa nokuramba vachizviita, kutsaura zvakanaka kubva kune zvakaipa.

Misoro ine chekuita