Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKururama kwaMwari

Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neKururama kwaMwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaFiripi 3:9

Uye kuti ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva pamurayiro, asi uko kunouya kubudikidza nokutenda kuri muna Kristu, iko kururama kunobva kuna Mwari uye kuri kwokutenda.

02 2 VaKorinde 5:21

Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.

03 VaRoma 3:21-22

Asi zvino kururama kwaMwari, kwakaratidzwa kunze kwomurayiro, kuchipupurirwa nomurayiro navaprofita. Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano,

04 VaRoma 1:17

Nokuti muvhangeri, kururama kwaMwari kunoratidzwa kuchibva pakutenda kuchienda kukutenda, sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Akarurama achararama nokutenda.”

05 Jeremia 23:6

Pamazuva ake Judha achaponeswa uye Israeri achagara norugare. Zita rake raachatumidzwa ndirori rokuti: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.

06 VaRoma 3:26

Akazviita kuti aratidze kururamisira kwake panguva ino, kuitira kuti ave akarurama uye anoruramisira vaya vanotenda muna Jesu.

07 VaRoma 10:3-4

Nokuti, sezvo vakanga vasingazivi kururama kunobva kuna Mwari uye vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari. Nokuti Kristu ndiye mugumo womurayiro, kuitira kuti mumwe nomumwe anotenda aruramiswe.

08 Isaya 61:10

Ndinofara zvikuru muna Jehovha; mweya wangu unofara muna Mwari. Nokuti akandifukidza nenguo dzoruponeso, uye akandishongedza nenguo yokururama, sechikomba chinoshongedza musoro wacho somuprista, uye somwenga anozvishongedza nezvishongo zvamatombo anokosha.

Misoro ine chekuita