Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neVana vaMwari

Ndima 8 dzeBhaibheri dzine chekuita neVana vaMwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Johani 1:12

Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari,

02 1 Johani 3:1

Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.

03 VaRoma 8:16

Mweya amene anopupurirana noMweya wedu kuti tiri vana vaMwari.

04 VaGaratia 3:26

Imi mose muri vanakomana vaMwari kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu,

05 VaRoma 8:14

nokuti vaya vanotungamirirwa noMweya waMwari ndivo vana vaMwari.

06 1 Johani 3:2

Vadikani, zvino tiri vana vaMwari, uye zvatichazova zvichigere kuzivikanwa. Asi tinoziva kuti paachaonekwa, isu tichafanana naye, nokuti tichamuona sezvaari.

07 VaFiripi 2:15

kuitira kuti mugova vasina chavangapomerwa uye vakachena, vana vaMwari vasina mhosva murudzi urwu rwakakombama uye rwakatsauka, rwamunovhenekera senyeredzi munyika

08 Johani 11:52

uye rusati rwuri rudzi irworwo bedzi asiwo vana vaMwari vakapararira, kuti avaunganidze agovaita vamwe.

Misoro ine chekuita