Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKutenda kwoga

Ndima 7 dzeBhaibheri dzine chekuita neKutenda kwoga dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaRoma 3:28

Naizvozvo tinomira pakuti munhu anoruramisirwa nokutenda kwete nokuchengeta murayiro.

02 VaEfeso 2:8-9

Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari, kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.

03 VaGaratia 2:16

uye tinoziva kuti munhu haaruramisirwi nokuchengeta murayiro, asi nokutenda muna Jesu Kristu. Saka nesuwo, takaisa kutenda kwedu muna Kristu Jesu kuti tiruramisirwe nokutenda muna Kristu, uye kwete nokuchengeta murayiro, nokuti hakuna munhu acharuramisirwa nokuchengeta murayiro.

04 VaRoma 4:5

Asi kumunhu asingashandi, asi achitenda Mwari uyo anoruramisira munhu akaipa, kutenda kwake kuchanzi kwaari ndiko kururama.

05 Tito 3:5

akatiponesa, kwete nokuda kwezvinhu zvakarurama zvatakaita, asi nokuda kwetsitsi dzake. Akatiponesa kubudikidza nokuberekwa patsva nokuvandudzwa noMweya Mutsvene,

06 VaRoma 3:22

Kururama uku kunobva kuna Mwari kunouya kubudikidza nokutenda muna Jesu Kristu kuna vose vanotenda. Hapana musiyano,

07 VaGaratia 3:11

Zviri pachena kuti hapana munhu anoruramisirwa nomurayiro pamberi paMwari, nokuti, “Vakarurama vachararama nokutenda.”

Misoro ine chekuita