Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKugamuchirwa kuva mwana
Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neKugamuchirwa kuva mwana dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
kuti adzikinure avo vari pasi pomurayiro, kuti tigamuchire kodzero yakazara yavanakomana.
Nokuti hamuna kugamuchira mweya wouranda kuti muitwezve varanda vokutya, asi makagamuchira Mweya wokuitwa vana, uya watinodana naye tichiti, “Abha, Baba.”
akatirongera kare kuti tigoitwa vana vake kubudikidza naJesu Kristu, maererano nomufaro wake uye nokuda kwake,
Asi kuna vose vakamugamuchira, kuna avo vakatenda muzita rake, akavapa simba rokuti vave vana vaMwari,
Tarirai kukura kworudo rwatakaitirwa naBaba, kuti tinzi vana vaMwari! Uye ndizvo zvatiri! Chinoita kuti nyika itadze kutiziva ndechokuti haina kumuziva iye.
Imi mose muri vanakomana vaMwari kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu,
kuti kunakisisa kwenyasha dzake dzaakangotipa hake muna Iye waanoda kurumbidzwe.
Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu.
“ ‘Ndichava baba venyu, uye imi muchava vanakomana vangu navanasikana vangu,’ ndizvo zvinotaura Ishe Wamasimba Ose.”