Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neKuverengwa Vakarurama

Ndima 12 dzeBhaibheri dzine chekuita neKuverengwa Vakarurama dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaRoma 4:5

Asi kumunhu asingashandi, asi achitenda Mwari uyo anoruramisira munhu akaipa, kutenda kwake kuchanzi kwaari ndiko kururama.

02 VaRoma 4:3

Ko, Rugwaro runoti kudiniko? “Abhurahama akatenda Mwari, uye kukanzi kwaari ndiko kururama.”

03 Genesisi 15:6

Abhurama akatenda Jehovha, uye iye akamuti ndiko kururama kwake.

04 VaGaratia 3:6

Fungai Abhurahama kuti, “Akatenda Mwari, uye zvikanzi kwaari ndiko kururama.”

05 VaRoma 4:22-24

Ndokusaka “zvakanzi kwaari ndiko kururama.” Mashoko okuti, “zvakanzi kwaari,” haana kunyorerwa iye oga, asi kwatiriwo, kuna avo vachanzi naMwari vakarurama, kunesu vanotenda kwaari iye akamutsa Jesu Ishe wedu kubva kuvakafa.

06 VaRoma 4:9

Ko, kuropafadzwa uku ndokwavakadzingiswa chete here? Kana kuti navasina kudzingiswawo? Nokuti tati kuna Abhurahama kutenda kwake kwakanzi kwaari ndiko kururama.

07 VaRoma 4:6

Dhavhidhi anotaura pamusoro pechinhu chimwe chete ichi paanotaura zvokuropafadzwa kwomunhu anonzi naMwari akarurama kunze kwamabasa, achiti:

08 Mapisarema 32:2

Akaropafadzwa munhu asingaverengerwi zvivi zvake naJehovha, uye asina kunyengera mumwoyo make.

09 Jakobho 2:23

Uye Rugwaro rwakazadziswa runoti, “Abhurahama akatenda Mwari zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama,” uye akanzi shamwari yaMwari.

10 VaRoma 4:11

Uye akagamuchira chiratidzo chokudzingiswa, sechisimbiso chokururama kwaakawana nokutenda asati adzingiswa. Saka naizvozvo ndiye baba wavose vanotenda, asi vasina kudzingiswa, kuitira kuti kururama kugopiwa kwavari.

11 VaFiripi 3:9

Uye kuti ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva pamurayiro, asi uko kunouya kubudikidza nokutenda kuri muna Kristu, iko kururama kunobva kuna Mwari uye kuri kwokutenda.

12 2 VaKorinde 5:21

Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.

Misoro ine chekuita