Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neDzikinuro
Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neDzikinuro dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari
Nokuti akatinunura kubva pasimba rerima akatiuyisa kuumambo hwoMwanakomana waanoda, watine dzikinuro maari, iko kuregererwa kwezvivi.
akazvipa nokuda kwedu kuti atidzikinure kubva pakuipa kwose, nokuzvinatsira vanhu vari vake chaivo, vanoshingaira kuita zvinhu zvakanaka.
Nokuti munoziva kuti hamuna kudzikinurwa nezvinhu zvinoora, zvakadai sesirivha kana goridhe, kubva paupenyu hwenyu husina maturo, hwamakagamuchira kubva kumadzitateguru enyu, asi neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina charingapomerwa uye risina kuremara.
Kristu akatidzikinura kubva pakutukwa kwomurayiro paakava chakatukwa iye nokuda kwedu, nokuti kwakanyorwa kuchinzi: “Vakatukwa vose vanoturikwa pamuti.”
uye vanoruramisirwa nenyasha dzake kubudikidza nokudzikinura kuri muna Kristu Jesu.
makatengwa nomutengo. Naizvozvo kudzai Mwari nomuviri wenyu.
Haana kupinda nokuda kweropa rembudzi neremhuru; asi akapinda muNzvimbo Tsvene-tsvene neropa rake chairo akatiwanira rudzikinuro rusingaperi.
Kwete izvozvo chete, asi nesuwo, vane zvibereko zvokutanga zvoMweya, tinogomera mukati medu tichimirira zvikuru kuitwa kwedu vana, iko kudzikinurwa kwemiviri yedu.
“Ishe, Mwari waIsraeri ngaakudzwe, nokuti akauya akadzikinura vanhu vake.
Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa kuti muzarure zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi.
Haiwa Israeri, isa tariro yako muna Jehovha, nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi uye kwaari kune dzikinuro izere.
Nokuda kwake, imi muri muna Kristu Jesu, uyo akava kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, iko kururama, noutsvene uye norudzikinuro rwedu.