Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neAkatakura Zvivi Zvedu

Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neAkatakura Zvivi Zvedu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Isaya 53:5

Asi akabayiwa nokuda kwokudarika kwedu, akakuvadzwa nokuda kwezvakaipa zvedu; kurohwa kwakativigira rugare kwaiva pamusoro pake, uye namavanga ake takaporeswa.

02 1 Petro 2:24

Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuitira kuti isu tife kuzvivi tigorarama zvakarurama; namavanga ake imi makaporeswa.

03 Isaya 53:6

Isu tose takanga takarasika samakwai, mumwe nomumwe nenzira yake, asi Jehovha akaisa pamusoro pake kuipa kwedu tose.

04 2 VaKorinde 5:21

Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.

05 Isaya 53:11

Shure kwokutambudzika kwomweya wake, achaona chiedza choupenyu uye achagutsikana; nokuziva kwake, muranda wangu akarurama acharuramisira vazhinji, uye achatakura kuipa kwavo.

06 Isaya 53:4

Zvirokwazvo akatakura matenda edu, uye akatakura kurwadziswa kwedu; asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari, akarohwa naye uye akarwadziswa.

07 Isaya 53:12

Naizvozvo ndichamupa mugove pakati pavakuru vakuru, uye achagoverana zvakapambwa navane simba, nokuti akadurura upenyu hwake kusvika parufu, akaverengwa pamwe chete navadariki. Nokuti akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki.

08 VaHebheru 9:28

saizvozvowo Kristu akabayirwa kamwe chete kuti atakure zvivi zvavanhu vazhinji; uye achazoonekwa kechipiri, asingatakuri zvivi, asi kuti auyise ruponeso kuna avo vakamumirira.

09 1 Petro 3:18

Nokuti Kristu akafira zvivi zvavose kamwe chete; akarurama nokuda kwavasakarurama, kuti akuuyisei kuna Mwari. Akaurayiwa mumuviri asi akararamiswa noMweya,

10 VaGaratia 1:4

akazvipa nokuda kwezvivi zvedu kuti atisunungure kubva munyika yakaipa yazvino, maererano nokuda kwaMwari Baba vedu,

11 Johani 1:29

Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!

Misoro ine chekuita