Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neGwayana raMwari

Ndima 11 dzeBhaibheri dzine chekuita neGwayana raMwari dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 Johani 1:29

Chifume chamangwana Johani akaona Jesu achiuya kwaari akati, “Tarirai, Gwayana raMwari, rinobvisa chivi chenyika!

02 Isaya 53:7

Akamanikidzwa uye akarwadziswa, asi haana kushamisa muromo wake; akatungamirirwa segwayana riri kundobayiwa, uye sokunyarara kwegwai pamberi pomuveuri waro, saizvozvo haana kushamisa muromo wake.

03 Zvakazarurwa 5:12

Vakaimba nenzwi guru vachiti: “Gwayana ndiro rakafanira, iro rakanga raurayiwa, kuti rigamuchire simba nepfuma nouchenjeri nesimba nokukudzwa nokubwinya uye nokurumbidzwa!”

04 1 Petro 1:19

asi neropa rinokosha raKristu, iro gwayana risina charingapomerwa uye risina kuremara.

05 Zvakazarurwa 5:6

Ipapo ndakaona pakati pechigaro choushe nezvisikwa zvipenyu zvina napakati pavakuru, Gwayana rakanga rimire uye rakaita serabayiwa, rine nyanga nomwe nameso manomwe, inova ndiyo mweya minomwe yaMwari yakatumwa munyika yose.

06 Johani 1:36

Akati achiona Jesu achipfuura akati, “Tarirai, Gwayana raMwari!”

07 1 VaKorinde 5:7

Bvisai mbiriso yakare kuti mugova chikanyiwa chitsva chisina mbiriso, sezvamuri chaizvo. Nokuti Kristu, gwayana redu rePasika, akabayirwa.

08 Zvakazarurwa 5:9

Uye vakaimba rwiyo rutsva runoti: “Ndimi makafanira kutora bhuku rakapetwa kuti muzarure zvisimbiso zvaro, nokuti ndimi makaurayiwa, uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu kubva kumarudzi ose uye nendimi dzose, navanhu nendudzi.

09 Zvakazarurwa 7:14

Ndakapindura ndikati, “Ishe, imi munoziva.” Uye iye akati, “Ava ndivo vaya vakabuda mukutambudzika kukuru; vakasuka nguo dzavo vakadzichenesa muropa reGwayana.

10 Zvakazarurwa 12:11

Vakamukunda neropa reGwayana uye neshoko rokupupura kwavo; havana kuda upenyu hwavo zvakanyanya zvokuti vangatya kufa.

11 Mabasa 8:32

Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro: “Akatungamirirwa segwai raindobayiwa, uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri, saka haana kushamisa muromo wake.

Misoro ine chekuita