Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neTakavanzwa naKristu

Ndima 9 dzeBhaibheri dzine chekuita neTakavanzwa naKristu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.

01 VaKorose 3:3

Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari.

02 VaKorose 3:4

Panoonekwa Kristu, iye upenyu hwenyu, ipapo nemiwo muchaonekwa pamwe chete naye mukubwinya.

03 Mapisarema 32:7

Ndimi nzvimbo yangu yokuvanda; muchandidzivirira panhamo uye muchandipoteredza nenziyo dzorusununguko. Sera

04 Mapisarema 91:1

Uyo anogara panzvimbo yokuvanda yeWokumusoro-soro achazorora mumumvuri weWamasimba Ose.

05 Johani 10:28-29

Ndinoapa upenyu husingaperi, uye haatongofi; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwangu. Baba vangu, ivo vakaapa kwandiri, vakuru kuna vose; hakuna munhu angaabvuta muruoko rwaBaba vangu.

06 Mapisarema 27:5

Nokuti zuva rokutambudzika achandichengeta zvakanaka munzvimbo yaanogara; achandiviga mudumba retabhenakeri yake, agondikwidza pamusoro pedombo.

07 VaKorose 3:1-2

Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari. Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.

08 Mapisarema 31:20

Mukudzivirira kwokuvapo kwenyu munovavanza kubva parangano dzavanhu; munovachengeta zvakanaka pamunogara kubva pandimi dzinopomera.

09 Isaya 49:2

Akaita muromo wangu somunondo unopinza, akandiviga mumumvuri wechanza chake; akandiita museve unopenya, akandiviga mugomba rake.

Misoro ine chekuita