Ndima dzeBhaibheri Dzine Chekuita neMuna Kristu
Ndima 13 dzeBhaibheri dzine chekuita neMuna Kristu dzekuverenga, kufungisisa, nekudzidza nemusoro.
Naizvozvo kana munhu ava muna Kristu, ava chisikwa chitsva; zvakare zvapfuura, zvinhu zvose zvava zvitsva!
Ndakarovererwa pamwe chete naKristu uye handichisiri ini ndinorarama, asi Kristu anorarama mandiri. Kurarama kwandinako munyama, ndinorarama nokutenda muMwanakomana waMwari, akandida uye akazvipa nokuda kwangu.
Naizvozvo zvino, hakuchina kupiwa mhosva kuna vari muna Kristu Jesu,
Ngaarumbidzwe Mwari Baba vaIshe wedu Jesu Kristu, iye akatiropafadza muchadenga nokuropafadza kwose kwomweya muna Kristu Jesu.
Mwari akaita kuti uyo akanga asina chivi ave chivi nokuda kwedu, kuitira kuti maari tive kururama kwaMwari.
kana kwakakwirira, kana kwakadzika, kana chimwe chinhuwo zvacho pazvisikwa zvose, hazvingagoni kutiparadzanisa norudo rwaMwari, rwuri muna Kristu Jesu Ishe wedu.
Nokuda kwake, imi muri muna Kristu Jesu, uyo akava kwatiri uchenjeri hunobva kuna Mwari, iko kururama, noutsvene uye norudzikinuro rwedu.
Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.
Nokuti hazvinei kuti Mwari akativimbisa zvinhu zvizhinji zvakadii, zvose i“Hongu” muna Kristu. Uye kubudikidza naiye tinoti “Ameni” kuti Mwari akudzwe.
Uye kuti ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva pamurayiro, asi uko kunouya kubudikidza nokutenda kuri muna Kristu, iko kururama kunobva kuna Mwari uye kuri kwokutenda.
saizvozvowo muna Kristu isu tiri vazhinji, tinoumba muviri mumwe chete, uye mutezo mumwe nomumwe mutezo wavamwe.
Iye watine dzikunuro maari kubudikidza neropa rake, iko kuregererwa kwezvivi, zviri maererano nokupfuma kwenyasha dzaMwari
Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu.